Lion
“Maita Nyamuzihwa, Shumba, Hara, Maita Muchori. Wakabva Buja nembondwe. Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka. Ewo Bonga, waChingate, Muzukuru waMapahwe, Wari Choma, Evoyi Shumba, Maita Hara. Maita Nonga rangu riri, Maita Nyamuzihwa, Maita wari Mangadza. Maita wariDombojawarinamawaramachena, Dombo rakaramba kumera uswa nemiti, Rinoti kukwira munokwiranamabvi, Rina makwapamakwapa anenge nzira. Maita zvenyu Shumba, Chikanda changu chichi, Maita waTsuri warnasawara. Kana musipo hapana chinochekwa. Maita Chiurayi, Hekani Chikanda, Mwana waMukombwe naNehoreka, Chipfuyawarombo, Hekani waNjapa, Maita Mutumbe, Donga, wari Man'anja, Samanyara, Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura, Mwana waChinyanga, asingaje imwe mbeu, Kusiya kwezviyo chete. Maita wari Tsatsa Mukonde, Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa, Tikafira pano wani.”
The importance of the totem Shumba Nyamuzihwa lies in its symbol of strength, leadership, and ancestral connection among the Shona. It marks a specific lion- lineage linked to the vaBuja and Nehoreka traditions, reminding bearers to live with courage, dignity, and responsibility while reinforcing clan identity and heritage.
Lion
Vaera Shumba